Accessibility links

Breaking News

VaMunyaradzi Dhodho Vosimudza Mureza weZimbabwe kuMusangano Uri Kuitirwa kuSan Francisco


Munyaradzi Dodo
Munyaradzi Dodo

Vamwe vevaive pachirongwa che Mandela Washington Fellowship For Young African Leaders gore rapera, vari mu San Francisco kuCalifornia uko vari kupinda mumusangano wekuzeya nzira itsva dzekushandiswa kwedandemutande mumabhizinesi.

Vamwe vevaive pachirongwa che Mandela Washington Fellowship For Young African Leaders, YALI, gore rapera, vari mu San Francisco kuCalifornia uko vari kupinda mumusangano wekuzeya nzira itsva dzekushandiswa kwedandemutande mumabhizinesi.

Mumwe wevanhu ava, VaMunyaradzi Dhodho, vachange vachitaurawo pamusangano we RightConuyo uri kukokerwa nekambani ye Access Now.

Musangano uyu watanga neChitatu uye uchapera neChishanu.

VaDhodho vanoti vachange vachitaura pamusoro pechirongwa chiri kutsigirwa neYALI apo vachazeya nevamwe zvakakoshera dandemutande reindaneti muAfrica.

Chirongwa che YALI chakaparurwa nemutungamiri weAmerica, Va Barack Obama, makore mashoma apfuura uye pari zvino chakatodoma zvizvarwa zveZimbabwe zvine chitsama zvichange zviri pachirongwa chegore rino.

VaDhodho vakange vari pachirongwa che 2015 YALI.

"Musangano uyu uchabatsira kuti tikurukure nyaya yekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kana vachishandisa dandemutande uye nzira dzitsva dzekushandisa dandemutande kunyanya muAfrica nemunyika," Va Dhodho vaudza Studio7.

Hurukuro Nava Munyaradzi Dhodho
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG