Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshora Kubhinywa kweVana Vadiki


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wesangano re Institute for Young Women Development, Muzvare Glanis Changachirere, vanoti vari kufadza nemazwi akataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamhemberero yebhavhadheyi ravo kuMasvingo apo vakashora kubhinywa kwevana vadiki.

Mutungamiri wesangano re Institute for Young Women Development, Muzvare Glanis Changachirere, vanoti vari kufadza nemazwi akataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamhemberero yebhavhadheyi ravo kuMasvingo apo vakashora kubhinywa kwevana vadiki.

VaMugabe vakati varume vanoita izvi vanofanirwa kupihwa mitongo yakaomarara.

Muzvare Changachirere vanoti zvinofadza kuti VaMugabe vakayambira vanhu ava panguva iyo nyika yakatarisira nekupemberera zuva re International Women's Day iro richapembererwa nemusi we Chipiri svondo rinouya.

Muzvare Changachirere vanoti pane zvizhinji zvinofanirwa kuitwa kuti dambidziko iri risarambe richiwanda munyika.

"Tine zvirongwa zvakawanda zvatichange tichiita neChipiri svondo rinouya zvino sanganisira mutambo mukuru uchange une vaimbi sezvo vanhu vazhinji vari kutarisana nematambudziko akawanda munyika uye minhanzi ndiyo inowanzo kushandiswa kubatanidza vanhu panguva apo zvinhu zvakawoma," Muzvare Changachirere vaudza Studio7.

"Tichange takabatana nebazi rezvehutano nemamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana mukupa zvidzidzo zvekuti vanoita seyi kana vachinge vaona munhu achibinywa," Muzvare Changachirere vaudza Studio7.

Bazi remapurisa rinoshanda nevechidiki richange riripowo pagungano iri richaitirwa kuMadziva Gold Mine.

Mutambo uyu uchange uchiitwa pachena uye madzimai nevanasikana vari kukokwa kuti vange vari pachiitiko ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG