Accessibility links

Breaking News

Vanobva Mumhuri Dzinoshaya Vari Kuita “A” Level Vokurudzirwa Kupinda Muchirongwa Chikunodzidza Pachena kuAmerica


USAP
USAP

Vadzidzi vanobva mumhuri dzinoshaya vari kuita zvidzidzo zve “A” Level vari kukurudzirwa kuti vanyorere kupinda muchirongwa chekuti vawane mukana wekunodzidza kuzvikoro zvepamusoro zvekuAmerica gore rinouya.

Vadzidzi vanobva mumhuri dzinoshaya vari kuita zvidzidzo zve “A” Level vari kukurudzirwa kuti vanyorere kupinda muchirongwa chekuti vawane mukana wekunodzidza pachena kuzvikoro zvepamusoro zvekuAmerica gore rinouya.

Vanoda kupinda muchirongwa ichi vanofanirwa kubata sangano re the United States Student Achievers Program, USAP, iro rinokokerwa nesangano re EducationUSA.

Mumwe weavo vanoshanda nechirongwa che USAP, VaThando Sibanda, vanoti vanoda kuwana rubatsiro urwu vanofanirwa kuenda kumahofisi avo ari mu Harare, Gweru, Bulawayo ne Mutare kunotora application forms ekunyorera kupinda muchirongwa ichi.

"Tinoda kubatsira vadzidzi vanobva mumhuri dzinoshaya vari kuita zvidzidzo zve A level vari mugore rekupedzisira kuti vanyorere kupinda muchirongwa ichi sezvo kunyorera kuri pachena, uye vachifanirwa kuita izvi mwedzi unotevera usati wapera," Va Sibanda vaudza Studio7.

Vanoda ma application forms aya munokwanisa kumawana palink iyi: http://usapglobal.org/usap-application-forms.htm

Hurukuro NaVa Thando Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG