Accessibility links

Breaking News

Thembelami Ovaraidza Vazhinji muAmerica


Thembelami - Themba Tagwireyi nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muMaryland muAmerica.
Thembelami - Themba Tagwireyi nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muMaryland muAmerica.

Muimbi wenziyo dzechitendero, Themba Tagwireyi, uyo anozivikanwa nerekuti Thembelami, anoti ari kufara nematambirirwo akaitwa mimhanzi yake nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica kuMaryland ne New York uko akaridza mukupera kweSvondo.

Thembelami anoti ari muAmerica umo achashanyira nzvimbo dzakasiyana siyana achiimba kuzvizvarwa zveZimbabwe nevamwe vanobva kune dzimwe nyika vanofarira dzimbo dzechitendero.

Thembelami anoti basa rekuimba rinokwanisa kupa munhu raramo akaramba akashinga asi vazhinji vanokurumidza kuneta.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvaive pachiitiko ichi zvinoti zvakakomborerwa uye munguva inotevera vanoda kuwona huwandu hwevanhurume vanouya kugungano rakadayi hwuchiwanda, sezvo varume vachidawo kukomborerwa.

"Tiri kufara nemafambiro akaita gungano iri ... madzimai mazhinji akauya nevana vavo nevamwe vana baba vakauyawo vakakomborerwa asi munguva inotevera tinoda kuonawo vanhurume vakawanda vachiuyawo kuzokomborerwa," Sandra Guzha mumwe weavo vakaronga chiitiko ichi audza Studio7.

VaTau Mupambirei mumwe weavo vakaronga chiitiko ichi vanoti vakafadzwa nerutsigiro rwakabva kuzvizvarwa zveZimbabwe.

Asi sekutaura kwakaita Muzvare Guzha, mune remangwana vanoda kuzoona vanhurume vachitsigira mimhanzi yechitendero zvine mutsindo.

Thembelami anoti achange achienda kuBotson uko achaimba pamubatanidzwa wevatendi uchaitwa kupera kwesvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG