Accessibility links

Breaking News

Kurudziro yeKuti muNyika Muumbwe Boka Rinofanobata Matomu Yopesanisa Vanhu


mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Vana veZimbabwe vanonzi vave nemaonero akasiyanasiyana pamusoro pekurudziro yezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zvave kukurudzira kuti munyika muve mamwe maoko anofanofambisa zvinhu kusvika nyika yaita sarudzo.

Chikwata chavanamuzvinafundo, icho chiri kuzvidaida kuti Platform for Concerned Citizens, (PCC), neChitatu chakakurudzira kuti munyika muumbwe boka risina divi rarakarerekera rinofanobata matomu kusvika sarudzo dzaitwa muna 2018.

Chikwata ichi chinoti boka iri, iro rinenge richinzi National Transitional Authority, ndiro chete nzira inokwanisa kuita kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena uye murunyararo, idzo Platform for Concerned Citizens inoti hadzikwanisi kuitwa chero nguva, kunyange muna 2018 macho.

Mumwe wevari muchikwata chePCC, Doctor Ibbo Mandaza vakaudza vatori venhau kuti National Transitional Authority ndiyo chete inokwanisa kudzivirira nyika kuti isapinde muna taisireva zvichi konzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzeupfimu pamwe nezvematongerwo enyika.

Asi sachigaro weZanu PF mudunhu reUnited Kingdom, VaNick Mangwana vanoti vanhu vari kukurudzira kuti munyika muve nevanofanobata matomu ndiwo mafungiro avo, asi izvi hazvisi mubumbiro remitemo yenyika.

"Aah, ipfungwa dzavo, pfungwa dzavo dzinoti vanhu vakafungawo, kana vakafunga dzinoti ware, vamwe vakafungawo dzezvimbwamupengo mafungiro avo. hapana chakaipa," VaMangwana vanodaro.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti nemamiriro akaita zvinhu boka rinofanobata matomu ndiro chete ringatofambisa zvinhu sezvo vanhu vatambura.

"Ndoda kuti Nick azive kuti zviri kuitika muZimbabwe mazuvano zvakaoma. Iye zvinganomunetsa kuti azive matamburiro atiri kuita kuno nekuti iye ari kumafura mhepo, ari kuEngland, kuLondon saka pamwe haa, zviri kumufambira. Kuno Jonga, vana neZimbabwe vatambura," VaGutu vanodaro.

VaGutu vanoti munzvimbo dzavari kumbofamba vachisvika, zvikuru kumamisha aya ari kumatunhu ari kure, vanhu vatambura zvekuti vanokuudza kuti havachazivi sadza.

Asi VaMugabe vakatozivisa kare kuti havana kwavari kuenda, kunyange hazvo vari kukurudzirwa nemapoka evanhu akawanda kusanganisira revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association.

Asi izvi zvaita kuti hutungamiri hwesangano iri huzvigokere moto muziso, sezvo vamwe vatungamiri vakatosungwa uye vamwe vakatotiza misha yavo.

Hurukuro naVaObert Gutu pamwe naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG