Accessibility links

Breaking News

Amai Monica Mutsvangwa Vosarudzwa Kuve Mutevedzeri weMutungamiri weDare reSADC Parliamentary Forum


Amai Monica Mutsvangwa
Amai Monica Mutsvangwa

Amai Monica Mutsvangwa vanoti vari kufara nekusarudzwa kwavaitwa kuve mutevedzeri wemutungamiri wedare reSADC Parliamentary Forum.

Amai Mutsvanga avo vanove mudare webato reZanu PF vanoti basa iri rakakosha sezvo richavapa mukana wekushanda nedzimwe nyika dziri mugungano reSADC munyaya dzekuvandudza hupfumi hwenyika uye nekutarisa nyaya dzekuroodzwa kwevana vasati vabva zera nezvimwewo.

Amai Mutsvangwa vanoti vakanzwa kuremekedzwa nekusarudzwa kwavo sezvo basa repamusoro iri risati ramboitwa nemudzimai mugungano iri kwemakore mazhinji.

"Ini ndinonzwa kuremekedzwa nekuti ndichange ndichishanda nevadare vanobva munyika dzese dzegungano iri uye zvichandipa mukana wekuoona kuti nyika yedu ingadzidze chii kubva kune dzimwe nyika dziri mugungano iri panyaya yekuvandudza kwehupfumi nezvimwewo," Amai Mutsvangwa vaudza Studio 7.

Amai Mutsvangwa vachange vachishanda nemutungamiri webato iri VaFernando da Piedade Dias dos Santos, vanove mutauri weNational Assembly yekuAngola.

"Rimwe donzvo rangu nderukushanda muzvirongwa zvekupedza dambudziko rekuroodzwa kwevana vasati vabva zera, iro riri kutarisana nenyika dzakawanda mugungano re SADC," Amai Mutsvangwa vanodaro.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:10:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG