Accessibility links

Mashoko aVa Barack Obama Obata Vakawanda

  • Marvellous Mhlalnga-Nyahuye

Mutungamiri weAmerica VaBarack Obama

Mutungamiri weAmerica VaBarack Obama

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti zviri kufara nemashoko ekuoneka akaitwa nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, mushure mekutonga nyika iyi kwemakore masere.

Barack Obama

Barack Obama

​VaObama vakataura vari kuChicago uko vakatangira zvematongerwo enyika.

Vakati ivo vari kutarisira kupa masimba kumutungamiri mutsva weAmerica, Va Donald Trump, mumazuva gumi anotevera zvinoratidza kuti America inoremekedza hutongo hwejechetere.

VaObama vakatora masimba makore masere apfura semutungamiri wechitema wekutanga kutonga America.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Va Kudzai Tsondai, avo vanogara muNew York, vanoti mashoko aVa Obama akavabata zvikuru uye Zimbabwe inokwanisa kudzidza kukosha kwehutongo hwejechetere kubva kuAmerica.

"VaObama vakaratidza kuti zvakakosha kuti bumbiro remutemo riremekedzwe uye kuti kana munhu pedza hutongo hwake asiyire vamwe chigaro sezvichange zvichiitwa svondo rino uya apo vaDonald Trump vachatora masimba. Tinofara kuti zvirikuitika izvi zvirikuitwa murunyararo pasina mhirizhonga sezvatinowona zvichiitikia kunedzimwe nyika," VaTsondai vaudza Studio 7.

Ratidza Zvafungwa

XS
SM
MD
LG