Accessibility links

Breaking News

Muzvare Lynda Masarira Vanobuditswa Muchipatara


Lynda Masarira - Zimbabwe Women In Politics Alliance
Lynda Masarira - Zimbabwe Women In Politics Alliance
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Murwiri wekodzero uye ari mutungamiri wesangano re Zimbabwe Women In Politics Alliance, Muzvare Lynda Masarira, vaburitswa muchipatara neChipiri.

Muzvare Masarira vakapinda muchipatara neMugovera mushure mekurohwa nemapurisa apo vange vachiratidzira pachipatara che Parirenyatwa vachishora mabiko akaitirwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuMatopo panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Muzvare Masarira vanoti vane hurungwa hwekukwidza nyaya yekushungurudzwa kwavakaitwa nemapurisa nekurohwa kumatare edzimhosva sezvo kodzero dzavo dzakatyorwa nemapurisa.

Vanoti vari kutora danho iri kuitira kuti izvi zvisarambe zvichiitika kune vamwe veruzhinji munyika.

Muzvare Masarira vanoti mapurisa ari kuramba achityora kodzero dzeveruzhinji zuva nezuva pasina ari kuzvimisa.

"Ini ndiri kuronga kukwidza nyaya iyi kudare reConstitutional Court nekuti taneta nekumbunyikidzwa nemapurisa nekutyorerwa kodzero dzedu, nekuti bumbiro redu remitemo rinotibvumidza isu sezvizvarwa zveZimbabwe kuita zvimwe zvinhu zvatinoroverwa nemapurisa zuva ne zuva," Muzvare Masarira vaudza Studio 7.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG