Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kugadzirisa Hupfumi Hwayo


Nyaradzo Mashayamombe - TALI
Nyaradzo Mashayamombe - TALI

Mutungamiri wesangano reTag A Life International, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe, vanoti zvizhinji zvinofanirwa kuitwa nenyika dzakadaita seZimbabwe mukuyedza kuvandudza hupfumi kuitira kuti pasave nedambudziko rekutapwa kwevanhu.

Mutungamiri wesangano reTag A Life International (TALI), iro rinomirira kodzero dzevanasikana nemadzimai, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe, vanoti zvizhinji zvinofanirwa kuitwa nenyika dzakadayi seZimbabwe mukuyedza kuvandudza hupfumi kuitira kuti pasave nedambudziko rekutapwa kwevanhu vachitsvaga raramo kune dzimwe nyika.

Muzvare Mashayambome vari kumusangano wekuzeya nyaya yekutapwa kwevanhu uko kunonzi kwatekeshera munyika dzakawanda, kusanganisira Zimbabwe.

Musangano uyu wakatanga neChipiri uri kukokerwa nesangano re Reuters pasi pebazi ravo re Women Trust muLondon kuBritain. Musangano uyu unopera neChina.

Nyaya yekutapwa kwevanhu yakanetsa munyika mwedzi yapfuura apo madzimai nevanasikana vechidiki vazhinji vakasiya nyika vachienda kunoshava kunyika dzakadayi seKuwait nedzimwewo uko vaivimbiswa mabasa epamusoro asi vozosvika vachiitwa nhapwa.

Madzimai mazhinji vakazobatsirwa nemasangano akazvimirira nehurumende kuti vadzoke kumusha asi zvinonzi kuchiri nevamwe vachiriko vachiri pasi pehunhapwa nenyaya yekuwoma kwakaita zvinhu munyika.

"Zvakawanda zvinoda kugadziriswa munyika nyanya panyaya hehupfumi hwenyika kuiitira kuti vanhu vasazoda kuenda kunyika dzavasinganzwisise vachida kunotsvaga cheuviri," Muzvare Mashayamombo vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG