Accessibility links

Breaking News

Bhanga reAfrican Development Bank Rinoti Hupfumi Hwenyika Huchakura Gore Rino


Patrick Chinamasa
Patrick Chinamasa

Bhanga reAfrican Development Bank rinoti riri kutarisira kuti hupfumi hwenyika yeZimbabwe kana kuti GDP huchakura nechikamu chimwe nezviga zvitatu kubva muzana kana kuti 1,3 % gore rino nenyaya yegoho rakanaka riri kutarisirwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kupesana maonero panyaya iyi.

Ongororo iyi iri mugwaro rakanzi African Economic Outlook 2017 rakaparurwa nezuro pasi pedingindira rekuti Entrepreneurship and Industrialisation.

Vakatungamira ongororo iyi ndeveAfrican Development Bank, sangano reOrganisation for Economic Cooperation and Development uye United Nations Development Programme. Asi mugore rinotevera, hupfumi hweZimbabwe hunonzi huchaderera nezvikamu zer point nine percent.

Mubhajeti yavo yegore raperaVaChinamasa vakange vati hupfumi hwenyika hwaizokura nechikamu chimwe nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 1.7 %. VaChinamasa vaitaurawo nyaya imwe chete yegoho rakanaka.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi vachitungamira bato rinopikisa rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti vati zvikamu zviri kutaurwa izvi.

zvakatonyanya kukwira nekuti nyika yaita mamvemve.

Asi mumwe muetevedzeri wemutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe VaCallisto Jokonya vanoti semaonero avo hupfumi hwenyika huchatokwira nezvikamu zvakawanda pane zviri kutaurwa neAfrican Development Bank.

Mashoko aya atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano relabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe asi vachiti Zimbabwe iri kubva pasi pasi.

Zvinhu muZimbabwe zvakaita manyama amire nerongo zvichionekwa mukushaikwa kwemari mumabhanga, huwandu hwevanhu vanoda rubatsiro rwezvekudya uye kushomeka kwemabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG