Accessibility links

Breaking News

Vanasikana Vosiira Chikoro paNzira Vachiroorwa Vasati Vabva Zera


Gurukota rinoona nezvedzidzo, vaLazerus Dokora vanoti vana vechikoro vanosvika zviuru zvina nemazana mashanu vakasiira chikoro panzira nekuda kwekuroorwa kana kurooora vasati vabva zera.

Pavana ava, zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi mashanu vasikana uye mazana maviri nemakumi mashanu neummwe vari vakomana. Izvi zvinonzi zvakaitika kubva munaNdira kusvika muna Mbudzi.

Sangano reZimbabwe Multiple Indicator Monitoring Survey rakatiwo vana zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana zvikuru vanasikana vari kuroorwa vasati vasvika makore gumi nemasere.

Gweta rinorwira kodzero dzevanasikana varizve munyarikani wesangano reAfrican Union uye vachishanda nesangano re Rozaria Memorial Trust, Amai Nyaradzai Gumbondzvanda vanoti zvinoshungurudza kuti huwandu hwevana vari kusiya chikoro vachinoroorwa vasati vabva zera huri kuramba huchiwanda munyika.

Amai Gumbodzvanda vanoti kunyangwe zvazvo bumbiro remutemo renyika risingabvumidze kuroodzwa kwevana vasati vabva zera, vanhu vazhinji havazvizive uye hurumenda inofanirwa kuita zvirongwa zvekudzidzisa vanhu kuti mhuri dzinowanikwa dzichitsigira izvi dzinenge dzichityora mutemo.

Amai Gumbodzvanda vanoti hurumbo ndihwo humwe huri kukonzera dambudziko iri uye hurumende inofanirwa kugadzirisa mamiriro akaita hupfumi hwenyika kuitira kuti mhuri dziwane raramo yakanaka ino kurudzira kuti vanasikana vaende kuchikoro.

"Hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya yehupfumi hwenyika kuitira kuti mhuri dzisarambe dzichinonga svosve nemuromo izvo zviri kuita kuti dzimwe mhuri dziroodze vanasikana vasati vabva zera," Amai Gumbodzvanda vaudza Studio 7.

Hurukuro NaAmai Nyaradzayi Gumbodzvanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG