Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mary Tayedzerwa Votaura nezveMubayiro weMTV neKuroorwa KweVana Vasati Vabva Zera


Mary Taedzerwa
Mary Taedzerwa

Muzvare Mary Tayedzerwa avo vari kushanda kurwisa nyaya yekuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera vanoti vari kufara zvikuru nemubayiro wavakapihwa nenhepfenyuro yeMTV weMnet Africa Music Awards yekuSouth Africa.

Muzvare Tayedzerwa vanoshanda vari pasi pesangano re Plan International iro riri kuita zvirongwa mudunhu reEpworth nedzimwe nzvimbo kuyedza kupedza tsika iyi.

Mary Taedzerwa
Mary Taedzerwa

Muzvare Tayedzerwa vakaroodzwa vaine makore gumi nemashanu uye vane vana vatatu vasikana. Vanoti vakange vasiya chikoro panzira asi vakadzokera parizvino uye vave kutoita form 4.

Nemusi weChitatu vainge vari pamutambo wemimhanzi wakaitwa muHarare apo vaimbi vane mukurumbira vakaita sa Oliver Mtukudzi, Tariro Negitare, Nyari Mashayamombe nevamwe vaiimba pachena vachishora tsika yekuroodzwa kwevana vasati vabva zera.

"Ndiri kufara neruremekedzo rwandakawana kubva kuMTV, asi ndinotenda amai vangu zvikuru nekuti vakandipa mukana wekuti ndidzoke kumba apo ndakanetsana nemurume wangu," Muzvare Tayedzerwa vaudza Studio 7.

Vanoenderera mberi vachiti, "Kurudziro yangu ndeye kuti vanasikana vaende kuchikoro uye kuti vabereki vasaroodze vanasikana vasati vabva zera, uye kana izvi zvakaitika kare zvakakosha kuti kana vanasikana ava vachikwanisa kudzokera kumba kwavo vabereki vavatambire'"

Hurukuro naMuzvare Mary Taedzerwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG