Accessibility links

Breaking News

Amai Jennifer Rupiya Voshura Mare neKuveza Masofa neZvimwe muHarare


Amai Jennifer Rupiya
Amai Jennifer Rupiya

Mumwe mudzimai wemuHarare Amai Jennifer Rupiya vakatanga bhisinesi re kuveza mugore ra 2010 kunyangwe hazvo vainge vasina kuzvifundira.

Asi parizvino vave nyanzvi mubasa ravo kunyangwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka panyaya yehupfumi. Amai Rupiya vakataura nenhepfenyuro yeReuters nezve basa ravo.

Amai Rupiya mumwe wemadzimai mashoma munyika vari kuita basa rekuveza masofa nezvimwe zvinoshandiswa mudzimba. Mahofisi avo ari kumucheto kweguta reHarare.

Vakatanga kambani yavo inonzi Charlywood Investments makore matanhatu apfura mushure mekumboita bhizimisi rekutengesa zvidyiwa.

Asi mushure mekuona zvaiitwa nevamwe vakabva vakwezva kuti vadewo kuita basa rekuveza. Vakabva vatanga kudzidzira kubva kune vamwe vari mudzimai ega pabasa rinowanzoitwa nevarume.

Amai rupiya avo vane makore makumi mana neshanu (45) vanoti zvange zvisiri nyore kupinda mubasa iri sezvo vamwe vanhu vasingadi kuti basa ravo riitwe nemunhukadzi.

Asi vanoti havo vaiwana kurudziro kubva kune vamwe vaiuya kuzogadzirwa midziyo yakaita semasofa . Masofa aAmai rupiya anotengeswa nemari inotangira pa $100 kusvika ku $1000.

Vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu munyika vanonzi vave kuzviitira mabasa emaoko nekuda kwekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Zvitoro zvizhinji zvine mukurumbira munyika zvakavhara uye parizvino zvavekushandirwa nevanhu varikuzviitira mabasa emawoko.

Kushaikwa kwemari nekushaikwa kwehutongo hwejekerere zvinonzi zvakonzeresawo kusagadzikana kwezvinhu munyika.

Kunyangwe zvinhu zvirikuramba zvichiwona Amai Rupiya avo vane vana vatatu vanoti shuwiro yavo ndeyekuti bhizinesi ravo rirambe richifamba zvakanka kunyanya panguva ino yezororo yekusimusi.

Kambani yavo ye Charlywood Investments ine vashandi vatatu vanopota vachiuya kana basa rakawanda. Vamwe vanoshanda naamayi Rupiya Va Enoch Manhunha vanoti kubudira kwavo kunoyemurika.

Mumwewo muvezi VaRonny Katerere vanoti varikufarawo nemashandiro avo.

Amai Rupiya vanokurudzira mamwe madzimai kuti ayedzewo mamwe basa anozivikanwa sevarume sezvo izvi zvichizovapa mukana wekuratidza hunyanzvi hwavo mune mabasa ese ese.

Nyaya Ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG