Accessibility links

Breaking News

Vadzidzii Vanoputsa Midziyo paGlen View One High Mushure Mekuputa Zvinodhaka


Vadzidzi vatatu vepa Glen View One High vatorwa nemapurisa mushure mekuita mhirizhonga.

Zvinonzi vadzidzi ava nevamwe vavo vanga vachiputa zvinodhaka apo vanga vachipemberera kupedza kwavo bvunzo dzegore rino. Zvinonzi vadzidzi ava vaputsa mahwindo vachiita ruzha izvo zvazopa kuti vakuru vechikoro ichi vadaidze mapurisa.

Vakuru vepa Glen View One vabvuma kuti izvi zvaitika asi varamba kutaura zvakawanda nekuti havabvumudzwi nebazi rezvedzidzo kutaura nevatori venhau.

Mumwe mugari wemu Glen View One, Va Taru Sambo, avo vanoti vaona izvi zvichiitika, vanoti vakatyamadza zvikuru nezvaitwa nevadzidzi ava. VaSambo vanoti vamwe vevana ava vauya nependi vakanyora nyora madziro echikoro ichi. VaSambo vanoti mapurisa auya kuzopedza mhirizhonga iyi vanga vari vashoma zvikuru, izvo zvaita kuti mhere mhere inonoke kupedzwa.

Zvinonzi aka hakasi kekutanga zvakadai zvichiitika pachikoro ichi.

Mukuru wepachikoro ichi aramba kutaura neStudio7 achiti havabvumidzwe kutaura nevatori venhau vasina kupihwa mvumo nebazi rezvedzidzo.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemapurisa emu Glen View One kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nhare dzavo dzange dzisiri kudavirwa.

Hurukuro naVaTaru Sambo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG