Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoshora Kusungwa kwaVaFemai neMapurisa


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, inoti haisi kufara nemabatiro akaitwa nyaya iri kupomerwa seneta weChikomo, Va Morgan Femai, avo vakasungwa neChishanu vachipomerwa mhosva yekutyisidzira nerufu, mudzimai wavo vachibva vavharirwa muchitokisi.

VaFemai, avo vakasarudzwa kuti vamirire Chikomo mudare reseneti muna 2008, vanonzi vari muchitokisi chepa Matapi muMbare.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti mapurisa aifanirwa kutanga aferefeta nyaya iyi asati asunga VaFemai.

VaMwonzora vanoti mapurisa anoziva zvikuru kuti pose panenge pachirambana vanhu, pane kunyeperana nekupomerana nhema, nokudaro aifanirwa kutanga aferefeta zvakadzama nyaya iyi asati atora matanho.

VaMwonzora, avo vanova zvakare gweta, vanoti nyaya yakasungwira VaFemai haina nemusoro wese, asi kuti mumiriri weChikomo akasungwa nekuti inhengo yeMDC-T.

Vanotiwo pane vanhu vari kurambana muZanu PF vachipomerana mhosva asi hapana ari kusungwa nekuti mapurisa emunyika anoshanda akarerekera kuZanu PF.

Vachitaura nebepanhau reSunday Mail, mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tadius Chibanda, vakati VaFemai vachamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuvhundutsira pamwe nekutyisidzira kuda kuuraya munhu,

Asi VaMwonzora vanoti hapana humbowo huripo hunoratidza kuti VaFemai vakaita zvavari kupomerwa.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG