Accessibility links

Zimbabwe Yorangarira World AIDS Day

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva re World AIDS Day apo masangano anoshanda nevanorarama nehutachiwona hweHIV/AIDS nehurumende vaungana parangariro yaitwa kuKwekwe.

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva re World AIDS Day apo masangano anoshanda nevanorarama nehutachiwona hweHIV/AIDS pamwe nevamiriri vehurumende vaungana pahurongwa hwaitirwa kuKwekwe.

Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reSouthern Africa HIV/AIDS Information Dissemination Service, SAFAIDS, Amai Tariro Makanga Chikumbirike, vanoti vafara zvikuru nevimbiso yapihwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, yekuti hurumende ichaita zvese zvainokwanisa ichirwisa dambudziko reHIV/AIDS munyika.

Amai Makanga Chikumbirike vanoti vanorarama neHIV/AIDS vataura nhunha dzavo pamusangano uyu.

Zvimwe zvarumbidzwa zviri kuitwa nenyika zvakanaka chirongwa chekurwisa kwekutapurirana hutachiwona kubva kuna amai kuenda kumwana.

"Tanzwazve kubva kune vechidiki vari kurarama nehutachiwona hwe HIV/AIDS uhwo vakawana kubva kuvabereki vavo pamusoro pematambudziko avari kusangano nawo," Amai Makanga Chikumbirike vaudza Studio7.

XS
SM
MD
LG