Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Votaura Pamusoro peHIV/AIDS


Vechidiki vakazvarwa vaine hutachiona vanoti kunyange hazvo vachitambira zvavari, vanoti munzvimbo dzavanogara vachiri kusemwa zvakanyanya

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nehutachiona hweHIV hwakadzikira kubva pamakumi mashanu pavanhu chiuru kusvika pavashanu pachiuru choga choga.

Asi kunyange hazvo huhwandu uhwu hwaderera, vechidiki, pfambi, vatyairi vemota hombe pamwe nemakorokoza ndiwo vanhu vanonzi vari kubatwa neHIV zvakanyanya.

Vechidiki vakazvarwa vaine hutachiona vanoti kunyange hazvo vachitambira zvavari, vanoti munzvimbo dzavanogara vachiri kusemwa zvakanyanya, uye vanotiwo kurarama neHIV/AIDS kwakaoma kunyanya kune vechidiki.

Muzvare Thandowenkosi Moyo vakazvarwa vaine HIV. Muzvare Moyo vanoti kunyange hazvo vakagamuchira zvavari, veruzhinji hasati vanzwisisa nezveHIV/AIDS. Muzvare Moyo vanoti vanodamwa nemazita emadunhurirwa.

Nekuda kwekusarudzwa uku vechidiki vanorarama nehutachiona ava mudunhu reMidlands vanoti kuburikidza nesangano rakazvimirira rega re Africaid Zvandiri vakaumba boka ravo rinonzi Community Adolescent Treatment Supporters (CATS) kuti vabatsirane sevechidiki kutambira zvavari.

Muzvare Moyo vanoti nekuda kwekuti ivo vakabetserwawo kunzwisisa HIV/AIDS nevamwewo, vava kubatsirawo vamwe vechidiki vari kuraramawo nehutachiona.

Imwe nhengo yeCATS inoshandira kuMakepesi muLower Gweru, Muzvare Angela Ndlovu, vanoti zvakaoma kurarama nehutachiona asi vanoti vechidiki vanogona kubatsirana kuti vagashire zvavanenge vari.

VaConstain Tshuma imwe nhengo yeCATS ine makore makumi maviri huye ichigara kuLower Gweru. VaTshuma vanoti vakakura vachirwara zvikuru asi nekushaya ruzivo nenyaya dzechirwere ichi, vaienda kudzin'anga.

Va Tshuma vanoti kunyange hazvo kumamisha vanhu vave kunzwisisawo nezveHIV/AIDS kusanganisira vechidiki, hurumemde ichine basa hombe rekurwisa chirwere ichi.

Nhengo dzeCATS idzi dziri kukurudzirawo hurumende kuti iwanise vechidiki ava mari yekutangawo mabasa emaoko. Dzinotiwo kunyange hazvo vachiwana mapiritsi pachena vanorarama nehutachiona ava vanodawo mari kuti vakwanise kuzviriritira zvakanaka kusanganisira kudya chikafu chine hutano.

Vachitaura pazuva re World Aids Day muKwekwe svondo rapera, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vakati hurumende iri kurwisa zvikuru kupedza dambudziko reHIV/Aids.

Vakatiwo hurumende iri kupa madzimai akazvitakura mishonga yekuti vasatapurira hutachiona kuvana vavo vasati vazvarwa kana pakuzvara. Vanoti pari zvino vana vanomwe chete kubva pamadzimai akazvitakura zana ndovari kutapurirwa hutachiona.

Vachitaurawo pamhemberero idzi dzakaitirwa muMbizvo kuKwekwe, mumiririri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas, vakatiwo nyika yavo icharamba ichibatsira Zimbabwe kuti ipedze dambudziko iri panosvika gore ra 2030.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinotiwo vanhu vasina HIV vanogona kushandisawo mishonga yekunwa kuitira kuti vasabate hutachiona.

Asi nyanzvi idzi dzinoti munhu anofanirwa kutanga aenda kuna chiremba oudzwa mhando yemushonga wekunwa senzira yekuzvidzivirira.

XS
SM
MD
LG