Accessibility links

Breaking News

Vanasikana Voita Hupfambi Sezvo Vari Kuomerwa neHupenyu


Vazhinji vevanasikana vechidiki vari kutengesa muviri yavo vanonzi vakatadza kupedza chikoro nekuda kwehurombo.

Zvononziwo vazhinji vavo vari kutanga zvepabonde vasati vasvika makore gumi nematanhatu ayo anotarwa nemutemo.

Vanasikina vakawanda vari kutadza kuenderera mberi nedzidzo vari kupedzisira voita chifambi kuitira kuti vakwanise kurarama sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Dambudziko iri riri kuramba richikura sezvo munyika musina mabasa, vabereki vakawanda vachitadza kuriritira mhuri dzavo.

Amai Monica Zhou vanotungamirira vechidiki murimwe remasangano eMethodist Church muHarare.

Amai Zhou vanoti hurumende ikasachengetedza vechidiki varombo, hondo yekupedza denda reHIV/Aids panozosvika gore ra2030 haibudiriri.

Mumwe mugari wemuHarare ari kushushikana nedambudziko iri, VaItai Madzivaidza, vanoti hurumende inofanirwa kubatsira vana vanotambura kuitira kuti varambe vari muzvikoro.

Tsvakiridzoyakaitwa neZimbabwe National Council for the Welfare of Children ichishanda nemamwe masangano yakaburitsawo dambudziko rinotarisana nevanasikana vari kusiya chikoro nekuda kwehurombo.

VaMaxim Murungweni, avo vanoshanda nesangano iri, vanoti tsvakiridzo yavo yaitarisa zviri kupa vechidiki kuti vatengese miviri yavo, makore avaive nawo pavakatanga kuita izvi, pamwe nekuona kuti vechidiki ava vane ruzivo here nezvekuzvidzivirira kuHIV/AIDS.

VaMurungweni vanoti tsvakiridzo iyi yakabudisawo kuti pamadzimai echidiki anorarama nekuita zvepabonde, zvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana, vakatanga kuita zvebonde vasati vadarika makore gumi nemasere.

VaMurungweni vanotiwo zvikamu makumi masere nechimwe kubva muzana zvemadzimai echidiki anotengesa miviri yavo, vakapinda mubasa iri nekuda kwehurombo, izvo zvakavatadzisa kuenderera mberi nedzidzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kuti seyi iri kutadza kubatsira vana vechikoro vanotambura pasi pechirongwa che Basic Education Assistance Module (Beam).

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti chirongwa che Beam chiri kutadza kubudirira nepamusana pekutadza kuronga kwehurumende, uye huori hwatekeshera munyika, zvikuru mumapazi ehurumende.

Kudzamara nyaya iyi yagadziriswa, vanasikana vakawanda vacharamba vachionekwa vari mumigwagwa husiku vachitsvaga varume vanovabhadhara mari dzepabonde, izvo zvinodzikisa hunhu hwavo, pamwe nebudiriro yakanaka yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG