Accessibility links

Breaking News

America Inopa Masangano Mari Yekuti Azvibatsire


US Disburses Grants to Zimbabwe
US Disburses Grants to Zimbabwe

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Jnr, vapa rubatsiro rwemari inodarika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu emadhora kuzvirongwa zvichasimudzira magariro nehupenyu hwevanhu munyika.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Jnr, vapa rubatsiro rwemari inodarika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu emadhora kuzvirongwa zvichasimudzira magariro nehupenyu hwevanhu munyika.

Izvi zvaitwa pasi pechirongwa chavo cheAmbassador’s Special Self-Help Program.

Vachitaura apo vange vari kupa mari kumasangano mapfumbabwe anobva kumatunhu mapfumbamwe nhasi, VaThomas Jnr vati mari iyi ndeimwe yerubatsiro rwakawanda runopihwa nenyika yavo kuZimbabwe senzira yekusimudzira magariro nemararamiro everuzhinji munyika.

VaThomas Jnr vati rubatsiro urwu runounza shanduko kuvazhinji munharaunda dzavanogara mukati menguva pfupi, uye runosimbisa hukama pakati pezvizvarwa zveAmerica neZimbabwe.

Sachigaro webhodhi reShirely Cripps Children’s Home iri kwaChikwakwa kuGoromonzi, VaMax Ngangira, vaudza Studio 7 kuti mari yavapihwa nhasi ichabatsira zvikuru mumabasa ekusimdzira chikoro chavo.

VaNgangira vati chirongwa chechibhorani ichi ndechimwe chezvirongwa zvakawanda zvavari kuita mukusimudzira magarairero evana vepachikoro ichi.

Mukuru wesangano reTafadzwa neChiedza Development Trust, iro rinodzidzisa varimi kuti vatore kurima sezbhizimisi, Amai Patience Magodo, vanoti mari yavawana nhasi ichavabatsira zvikuru mukudzidzisa varimi kuti vakwanise kuwana pundutso mumabasa avo zvikuru sei apo mamimiriro ekunze ave kushanduka.

Sangano iri rawana rubatsiro rwezviuru gumi zvemadhora mari iyo vati ichashandiswa kuZaka kuMasvingo.

Vamwe vakambowana rubatsiro pasi pechirongwa ichi, VaIan Makone veDomboshava Community Development Association, vanoti veruzhinji mudunhu mavo vakabatsirikana muchirongwa chavo chekugadzira gasi rekubikisa uye havachanetseki nekutenga magetsi kana kutsvaka huni dzekubikisa.

Mamwe masangano awana rubatsiro anosanganisira Magwegwe Development Trust yekuBulawayo, Girls Legacy yeku Mashonaland East, Rifa Conservation Education Camp yekuMashonalandWest, Maranatha Orphans Care Trust yekuMatabeleland South, Women Development Trust yekuGwanda pamwe neChristian Care kudunhu reManicaland.

Chirongwa cheAmbassador Special Self Help program chakatangwa muna1980 uye America yapa rubatsiro rwemari inodarika mamiriyoni maviri kumasangano akasiyana siyana mukati memakore gumi apfuura.

America inopawo Zimbabwe rubatsiro runokosha mamiriyoni akawanda emadhora munyaya dzehutano, dzidzo, kurima nechikafu pamwe nezvimwe gore rega rega.

XS
SM
MD
LG