Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuita Sarudzo Dzakachena seDzakaitwa muAmerica


VaBarack Obama
VaBarack Obama
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, avo vakasarudzwa neChipiri kuva mutungamiri weAmerica wechimakumi mana neshanu, munhu ari kukorokotedzwa kubva nenyika dzemuAfrica kuCape kusvika kuCairo.

VaObama vakakunda VaMitt Romney vebato reRepublican Party mushure mekunge vaunganidza zvigaro zvinodarika mazana maviri nemakumi manomwe zvinodiwa kuti munhu anzi akunda musarudzo.

Kunyange hazvo sarudzo idzi dzichiri kuverengwa mudunhu reFlorida, kusvika pari zvino, VaObama vava nezvigaro mazana matatu nezvitatu, zvichienzaniswa nezvigaro mazana maviri nezvitanhatu zvina VaRomney.

Mushure mekukundwa naVaObama, VaRomney vakaudza zvizvarwa zveAmerica kuti vaitambira kukundwa kwavo. VaObama, avo vakataura mushure maVaRomney, vakatenda vatsigiri vavo nekuvatsigira murwendo rwekuramba vari pamuzinda weWhite House kwemamwe makore mana.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vatumira mashoko ekukorokotedza VaObama vachiti vanotarisira kuti nyika yavo neAmerica dzicharamba dzichidyidzana.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yatumirawo nashoko ekukorokotedza VaObama

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaObama, mutemu yavo yechipiri, vanofanirawo kuti vanyatsotarisawo matambudziko eAfrica uye kutanga kudyidzana nayo munyaya dzekutengeserana.

Mutemu yavo yekutanga, VaObama vakangoenda kuAfrica kaviri pavakaenda kuEgypt neGhana. VaObama vainyanyosimbirira nyaya dzekuMiddle East sezvo America yange iri muhondo kuIraq neAfghanistan.

Izvi zvakapa China mukana wekutanga kudyidzana neAfrica zvakanyanya kukunda America.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo nyaya yekuti China yave kunyanya kudyidzana neAfrica ndiyo yakapa kuti VaObama vatumire gurukota ravo rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Hillary Clinton, kuti vaende kunyika nhanhatu dzemuAfrica dzinoti, South Sudan, Senegal, South Africa, Uganda, Kenya neMalawi.

MuAmerica munewo zvizvarwa zveAfrica zviri muhupoteri zvisina magwaro ekuti zvigare munyika iyi zviri pamutemo. Vanhu ava vanotiwo zvakakosha kuti VaObama vagadzirise nyaya yevapoteri iyi sezvo vakawanda vachitiza hondo nenzara kuAfrica.

Vamwe vanotiwo mutemu yavo yechipiri, VaObama vanofanira kumira semusambangwena kuona kuti Zimbabwe neKenya dzaita sarudzo dzisingadeurwe ropa.

Vatungamiri venyika mbiri idzi vanonzi vane zvakawanda zvavangadzidze kubva kuAmerica zvikuru kune vanenge vakundwa musarudzo sezvakaitwa VaRomney vakatambira kukundwa kwavo.

Mupepeti mukuru webepanhau reStandard, VaNevanji Madanhire, avo vakange vari muChicago vachiongorora sarudzo dzemuno muAmerica vanoti Zimbabwe inofanira kuita sarudzo murunyararo sezvakaitwa muAmerica.


please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:22:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG