Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voudza Hurumende Kuti Ishandise Zvine Mutsindo Mari yekuSouth Africa


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paHarvest House neChina mangwanani, VaTsvangirai vati hurumende inofanira kutaura neSouth Africa kuitira kuti ishandise mari yenyika iyi.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzira kuti hurumende itange kushandisa zvine mutsindo mari yekuSouth Africa senzira yekuedza kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari munyika.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paHarvest House neChina mangwanani, VaTsvangirai vati hurumende inofanira kutaura neSouth Africa kuitira kuti ishandise mari yenyika iyi.

Kunyange hazvo hurumende yakatora danho rekushandisa mari dzekunze muna 2008 dzinosanganisira ma rands ekuSouth Africa, mari iri kunyanyoshandiswa munyika idhora rekuAmerica.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nekambani yeTradelink Consultancy, VaPaul Gombingo, vati kushandisa mari yekuSouth Africa zvakanyanya kunogona kuita kuti hupfumi hweZimbabwe hurambe huchiwira pasi.

Asi VaTsvangirai vanoti hazvina zvazvinobatsira kuti Zimbabwe irambe ichitungamidza dhora rekuAmerica iyo nyika isangatengeserane zvakanyanya neAmerica.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzaudza Studio 7 parunhare kuti kushandisa mari yekuSouth Africa zvakanyanya kunogona kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari sezvo Zimbabwe ichidyidzana zvakasimba neSouth Africa.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Mashoko aVaTsvangirai anotevera kuparurwa kwakaitwa mari itsva yema bond notes neMuvhuro, iyo iri kurambwa nevakawanda.

Zvichakadai, VaTsvagirai vatambira mubato ravo kudzoka kwa VaPaul Madzore, avo vaimbove nhengo yeMDC inomirira Glen View muparamende, VaPearson Mungofa, avo vakambomirira Highfield muparamende vari mubato iri, pamwe nevaitungamira makanzura eMDC mukanzuru yeHarare, VaVictor Chifodya.

VaMadzore naVaChifodya vanga vave nhengo dzeProgressive Democratic Party inotungamirwa naVaTendai Biti, ukuwo VaMungofa vanga vave kubato reZimbabwe People First rinotungamirwa naAmai Joice Mujuru.

Vatatu ava vati vawona zvakakodzera kuti vashande pamwe chete naVaTsvangirai vachiti kumapato avanga vaenda hakuna tarisiro yekuunza shanduko munyika.

XS
SM
MD
LG