Accessibility links

Breaking News

Muchato waVaTsvangirai naMuzvare Macheka Woenderera Mberi neMugovera

Mənsur şəhəri Polis Baş Qərargahına edilən bomba hücumu - Misir, 24 dekabr, 2013

Mənsur şəhəri Polis Baş Qərargahına edilən bomba hücumu - Misir, 24 dekabr, 2013

Dare repamusoro rarasa neChitatu chikumbiro chakasvitswa kudare iri naMuzvare Locadia Karimatsenga Tembo chekuti muchato wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, na Muzvare Elizabeth Macheka, uyo uri kuda kuitwa neMugovera, umiswe.

Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare repamusoro, Amai Antonia Guvava, vati havawone chikonzero chekuti muchato waVaTsvangirai naMuzvare Macheka usaenderere mberi neMugovera.

Amai Guvava vati pane gakava riripo rekuti Muzvare Karimatsenga Tembo vakaroorwa zvechokwadi here kana kuti kwete naVa Tsvangirai gore rapera. Muzvare Karimatsenga Tembo vanoti vakaroorwa zviri pamurawu wechivanhu, asi Va Tsvangirai vanoti vakabhadhara mari yekuvakanganisa chete, kana kuti damage, mushure mekunge Muzvare Karimatsenga Tembo vaita pamuviri paVaTsvangirai apo pavanoti pakabva pave nemwedzi minomwe nechidimbu.

Kunyange hazvo Muzvare Karimatsenga Tembo vakaunza kudare DVD rezvinonzi zvakaitika pavanoti vakaroorwa naVa Tsvangirai muna Mbudzi gore rapera, Amai Guvava vati havakwanise kushandisa humbowo uhwu sezvo vachiti zvinonetsa kuti dare ritambire DVD iri sehumbowo.

Vatiwo dare ravo harina masimba ekumisa kuroorwa kwemunhu sezvo pane mutemo wakadzikwa unocherechedza mamejasitiriti sevanhu vanobata nyaya idzi.

Amai Guvava vati chitsvambe chave kudare reparamende kuti rivandudze mitemo ine chekuita nekuroorana sezvo vachiti kuroorana kusina kunyoreswa hakucherechedzwe pamutemo.

Mutongi wedare ati Muzvare Karimakatsenga Tembo vane mukana wekuenda kuna mejasitiriti akapa VaTsvangirai mvumo yekuenderera mberi nemuchato wavo kuti vanopa zvikonzero zvingaite kuti muchato uyu umiswe.

Rimwe remagweta aVaTsvangirai, Va Innocent Chagonda, vati muchato wemutungamiri wehurumende uchaenderera mberi neMugovera.

Asi rimwe remagweta aMuzvare Karimatsenga Tembo, Va Everson Samukange, vati vachaenda kudare ramejasitiriti kuti vanokumbira dare iri kuti rikanzure mvumo yarakapa Va Tsvangirai kuitira kuti muchato uyu usaenderere mberi.

Muchato waVaTsvangirai naMuzvare Macheka wakatarisirwa kuitwa pa Raintree ku Umwinsdale muHarare.

Vamwe vevanhu vakakokwa kumuchato uyu vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri weBotswana, Va Ian Khama, pamwe nemutungamiri weMalawi, Amai Joice Banda.
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG