Accessibility links

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri, Zvita 6, 2016

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotaura pahurongwa hwe State of the Nation Address muparamende.

Vamwe vevakarwa muhondo yerusununguko vanoti havasi kupinda gore rino mumusangano wepagore weZanu PF unotanga svondo rinouya.

Studio7 inozeya zvakadzama dambudziko remari zvichitevera kushandiswa kwema bond notes ayo apinda musvondo rechipiri.

Muchirongwa chedu che LiveTalk cheThe Connection, nhasi tiri kutarisa mashoko aturwa naVaMugabe muparamende takatarisa kune vechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

XS
SM
MD
LG