Accessibility links

Misoro Yenhau Dzanhasi, China Mbudzi 24, 2016.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Kupasiswa kwemutemo weRBZ Amendment Bill muparamende nechimbichimbi kwosendekwa zvichitevera danho remutauriri wedare reparamende rekuti mutemo uyu utange wazeyiwa neveruzhinji vachisangana nekomiti yeparamende yezveupfumi, izvo zvinonzi zvichaitwa svondo rinouya.

Pave nekutyirwa kuti nyika ingangoita dambudziko rekushaikwa kwemafuta ekufambisa zvichitevera mitsetse mirefu muChinhoyi, kunyange hazvo hurumende iri kuedza kutsigisa vanhu kuti vasatya ichiti mafuta azere munyika.

Kanzuru yeguta reBulawayo yoratidza vatori venhau mamiriro akaita nyaya dzemvura mumadhamu anowanisa guta iri mvura yekushandisa.

Sangano reZimrights rakabatana nere Election Resource Centre roremekedza nemibairo varwiri vekodzero vakashanda zvakasimba mugore rino.

Muchirongwa chedu che LiveTalk Women’s RoundTable na 8:00pm nhasi tiri kutarisa nezvehuwandu hwevanasikana nevanakomana vari kumanikidzwa kusiira chikoro panzira vachiroorwa kana kuroora.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.


XS
SM
MD
LG