Accessibility links

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi China Mbudzi 17, 2016.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Kuratidzira kwange kwakanzi kuchaitwa nhasi nemasangano akazvimirira akasiyana-siyana pamusoro pebumbiro remitemo muBulawayo kwatadza kubudirira sezvo mapurisa anodzivirira mhirizhonga ange akazara mudhorobha iri.

Kanzuru yeguta reMutare yoronga kuputsa zvitangwena zvemhuri dzinosvika chiuru chimwechete nemazana mashanu idzo dzakazvigarisa panzvimbo yekanzuru iyi mumusha weDevonshire pedyo neSakubva uye muChikanga.

Mutungamiri wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries VaWalter Magaya votyira hupenyu hwavo mushure mekunge vawana kuchechi kwavo kune girinedhi.

Nyanzvi dzozeya nezvekuratidzira kwakaorongwa munyika mangwana nemasangano akasiyanasiyana.

Muchirongwa chedu che LiveTalk Women’s RoundTable na 8:00pm nhasi tiri kutarisa nezvemvura.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.


XS
SM
MD
LG