Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu Mbudzi 18, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dr Patson Dzamara vanorohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vasori, apo mapurisa anodzivisa vanhu kuratidzira muHarare nemuBulawayo vanoti havasi kufara nenyaya yehuori nemabond notes.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vovhura nhandare yeVictoria Falls zviri pamutemo nhasi.

Musangano weInternational Criminal Court woenderera mberi kuHague pachipihwa kurudziro yekuti vatungamiri venyika vanotonga nedemo vasungwe.

United Nations inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vanonzi vanoda chikafu kusvika mwedzi waKurume gore rinouya

Munhau dzemitambo, Ngezi Platinum yoyambira Caps United kuti isapemberere mukombe weligi isati yausimudza.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8;00pm tiri kutarisa kuratidzira kwange kwakarongwa nhasi nemasangano akasiyana siyana uye kutyorwa kwekodzero dzevanhu ava nevanofungidzirwa kuti vasori.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu, Mbudzi 18, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



XS
SM
MD
LG