Accessibility links

Misoro yenhau Dzedu Dzanhasi, Chipiri, Mbudzi 15, 2016.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

ZEC inoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvikwanise kuvhota kusvika mutemo wesarudzo wavandudzwa muna 2018 kuti uenderane nebumbiro remutemo.

Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende VaTrevor Saruwaka vorambidzwa kupinda mudare ereparmende nebhachi ravo rine ruvara rwemureza wenyika.

MDC-T inoti hurumende iri kupinza vanhu mabasa muchiuto kuti vazorova vanhu munguva yesarudzo.

Zanu-PF yopomeraa mhosva yekumanikidza vanamuzvinabhizimisi vekuMasvingo kubhadhara mari yemusangano wenational conference uri kuitwa mudunhu iri.

IMF yobvisa zvimwe zvirango zvange zvakatemerwa Zimbabwe asi ichiti hazvireve kuti yave kutanga kuikweretesa mari.

Vakuru vechikwata cheHighlanders vomiswa basa neZIFA zvokonzora matambudziko munyaya dzemutambo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk – The Connection na8;00 pm tiri kutarisa kuratidzira kuri kuita vechidiki munyika nekunze.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

XS
SM
MD
LG