Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, Muvhuro, Mbudzi 14, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vosimuka munyika vakananga kumusangano wezvemamiriro ekunze kuMorocco. Asi vamwe vanoti VaMugabe varikungopedza mari yenyika nenzendo dzekunze dzisingapere.

Vakarwa hondo yerusununguko vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, VaIgnatious Chombo, VaJonathan Moyo naVaSaviour Kasukuwere ngavadzingwe mubato nekuti vakonzera kusawirirana.

Vagari vemuHarare votyira kupararira kwezvirwere nenyaya yekushaya mvura yakachena.

Vashandi vehurumende votarisirwa kunzwa kubva kuhurumende panyaya yebhonasi uye vari kutarisirwao kuzeya nyaya yekupihwa nzvimbo dzekuvakira dzimba negurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere.

Vatsigiri vechikwata chemaWarriors vanoti vari kufara negadziriro iri kuitwa nechikwata ichi chatarisana nemakwikwi eAfrica Nations Cup.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8;00 pm tiri kutarisa nyaya yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekugara vari mundege asi nyika yaita mamvemve.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro, Mbudzi 14, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG