Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 11, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda vochema chema nekukwidzwa kwaitwa mutengo wekushandisa nharembozha nekambani yeEconet.

Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights omirira vagari vemuHarare vari kutyisidzirwa zvichitevera kutadza kwavo kubhadhara mitero.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvotaura pamusoro pemashoko ekuoneka akaitwa nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama.

Vari kunze kwenyika votaura pamusoro pezvinofanirwa kuitwa muZimbabwe munyaya dzematongerwo enyika kuitira kuti zvido zveverizhinji zvizadziswe mumatongerwo enyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa nyaya yemubatanidzwa wemapato senzira ingakunde Zanu PF musarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Ratidza Zvafungwa

XS
SM
MD
LG