Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 26, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 26, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti iri kunyunyuta nemashoko akataurwa nemumiriri weUzumba muparamende, okuti mudunhu ravo hamuna mukana wekupa mapato anopikisa.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvemukati menyika, VaZiyambi Ziyambi, vanoti VaTobaiwa Mudede ndivo vari kuomesa musoro panyaya yekurerutsira vanoda kutora magwaro ekuzvarwa kwavo, zvikuru vanhu vane vabereki nehama dzakavhiringwa neGukurahundi.

Vakawanda vopinza chibage munyika zvisiri pamutemo chizhinji chacho chichibva kuZambia.

ZPC Kariba yonanga kuNational Sports Stadium uko iri kusangana neDynamos neSvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzematongerwo enyika kumaruwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG