Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 25, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 25, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika dzemuAfrica mukucherechedza zuva reAfrica Day.

Mudzimai wemutungamiri weMDC, Amai Elizabeth Tsvangirai, vanopachikafu vakweguri vanogara paBumhudzo Old People’s Home kuSt Mary’s muChitungwiza.

Makakatanwa otsemera bato reFree Zimbabwe Congress zvichitevera kudzingwa kunonzi kwaitwa mutungamiri waro, VaJoseph Busha, vachipomerwa mhosva yekudyidzana naVaMugabe.

Kanzuru yeHarare yokwidza kuSupreme Court kupikisa kwayo mutongo unoimisa kuvharira vanhu mvura vanenge vatadza kubhadhara zvikwereti zvemvura.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyaya dzedzidzo nebudiriro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG