Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 10, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Germany inoti manyepo kuti Zimbabwe iri kunyimwa mari nenyika dzakabudirira nepamusana pezvematongerwo enyika ichiti Zimbabwe iri kunyimwa mari nepamusana pekutadza kubhadhara zvikwereti zvayo.

Ongororo yeAfrobarometer inoti veruzhinji vane chivimbo nehurongwa hwekuti mapato anopikisa aite mushandirapamwe musarudzo dzegore rinouya.

Vechidiki musangano reNera vanoti vachaenderera mberi nemusangano wavo muChinhoyi neMugovera zvisineyi nedanho rinenge ratorwa nemapurisa.

Kambani ye National Oil Infrastructure Company of Zimbabwe inopa chipatara cheParirenyatwa kuti igoshandiswa pakuoparetwa mwoyo yevana vadiki vanoda rubatsiro urwu.

Muchirongwa cheLiveTalk- Diaspora Forum na8pm tiri kutarisa pamire pamwe nezviri kuitwa nemapato ari kuumbwa nevanhu vari muDiaspora.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG