Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 05, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 05, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reZimbabwe Election Support Network rokurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti itange nekukurumidza kunyoresa vavhoti ichishandisa michina mitsva yeBiometric Voter Registration.

Chirongwa chePepfar choongorora zvirwere muvanhu zvakaita seHIV/AIDS, shuga neBP pasitendi yayo kuHIFA muHarare, ukuwo hurumende inoparura chirongwa chekuvheneka HIV muropa revanhu paNketa Clinic muBulawayo.

Kuvakwa nekugadziridzwa kwemugwagwa weBeitbridge-Harare kwoparurwa musi 18 Chivabvu, anova masvondo maviri kubva nhasi.

Hurongwa hwe Public Service Medical Aid Society hwekuda kukwidza mari dzinobatirwa vanhu kuti vazorapwe nezvikamu mazana matatu kubva muzana hunokundikana zvichitevera kujamuka kwakaita vamiri vevashandi vehurumende pamusangano wakaitwa nezuro.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mashoko aVaMugabe ekuti Zimbabwe inyika yakabudirira zvikuru kudarika nyika dzakawanda dzemuAfrica ichingokundwa chete neSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG