Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 24, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanotaura pamusoro pezvibvumirano zvavakanyorerana pasi naAmai Joice Mujuru naVaWelshman Ncube.

Michina yekunyoresa kuvhota yechizvino zvino ye Biometric Voter Registration kits yoedzwa mashandiro ayo vana vechikoro vekuMabvuku vachivhota vachishandisa michina iyi.

Dunhu reManicaland rinobatana nemamwe matunhu eZanu PF mukuti murongi wemisangano, VaSavior Kasukuwere, vadzingwe pamabasa avo emubato nemuhurumende.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinoreva kubatana kwakaita VaTsvangirai, Amai Mujuru naVaNcube svondo rapera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG