Zanu PF Women’s League inotambira kudzingwa kwa Amai Eunice Sandi Moyo na Amai Sarah Mahoka muboka remadzimai rebato riri kutonga iri.
Hurongwa hweZimbabwe International Trade Fair hunonzi hwuri kufamba zvakanaka muBulawayo.
Masangano evanhukadzi oshungurudzika nemhirizhonga iri kuramba ichibata madzimai mudzimba
Coach Norman Mapeza otsenga mukanwa panyaya yebasa rakochi wema Warriors iro ari kunzi angangopihwe neZIFA.
Muchirongwa chedu chevechidiki che The Connection paLiveTalk na 8pm tiri kutarisa hurongwa hwaVaMugabe hwekuda kunzwa zvinofungwa nevechidiki mumativi mana enyika.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum