Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 21, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 21, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzeZimbabwe Electoral Commission dzinobuda mumusangano waitwa pakati pe ZEC nemapato ezvematongerwo enyika dzichiti dzaneta nekushorwa nemapato anopikisa.

Madzimai ari kupika kuChikurubi anoti haasi kupihwa chikafu chakakwana.

Vanotengesa mumigwagwa voronga kuendesa kanzuru kumatare edzimhosva zvichitevera kuputsa kwairi kuita zvinhu zvavo.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi sezvo hurumende isina chairi kuwana kubva kuminda yemangoda kwaChiadzwa.

Muchirongwa chedu chevechidiki che The Connection na 8pm tiri kutarisa dambudziko revasikana vadiki vari kubata pamuviri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG