Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 19, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vemunzvimbo dzakavhiringwa neGukurahundi votaura pamusoro pehurongwa hwebhavhadhe raVaMugabe richaitirwa kuMatabeleland mwedzi unouya.

Vakaremera vanoti hurumende iri kukundikana kuvabatsira.

Dare redzimhosva rinoti Pastor Phillip Mugadza vane mhosva yavakapara, nokudaro vanofanirwa kumiswa pamberi pematare edzimhosva.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzotaura nezvekugadzwa kuchaitwa mutungamiri mutsva weAmerica, VaDonald Trump mangwana.

Muchirongwa cheLiveTalk – Women’s Roundtable, na 8:00pm tiri kutarisa zvakaitirwa vanhukadzi nemutungamiri weAmerica ari kusiya basa mangwana, VaBarack Obama.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Ndira 19, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG