Accessibility links

Breaking News

VaTongogara Vanorangarirwa Dzimwe Hama neVamwe Vana Vasipo


Josiah Tongogara
Josiah Tongogara
Vamwe vemhuri yeraive gamba rehondo yerusununguko uye vari mukuru weZanla, VaJosiah Magama Tongogara, vaungana muHarare vachirangarira zuva rekufa kwaVaTongogara, avo vakashaya mutsaona yemotokari kuMozambique musi wa26 Zvita mugore ra1979.

Asi vamwe vemhuri vanonzi havana kupinda muhurongwa uhwu sezvo vakuru vemhuri vanzi havana kunge vaziviswa kana kukokwa kuchiitiko ichi.

Hurongwa uhwu hwatungamirwa naBishop Chad Gandiya veAnglican veChurch of the Province of Central Africa, avo vatenda kuStudio 7 kuti vatungamira hurongwa uhwu.

Zvinonzi vaungana ava vazoenda kumarinda emagamba, Heroes Acre, uko kwaiswa maruva paguva raVaTongogara vachitungamirwa nemudzimai wavo, Amai Angeline Tongogara, pamwe negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru mubato reZanu PF nemuchiuto.

Mumwe mwanasikana waVaTongogara, Muzvare Sukai Tongogara, avo vasina kupinda muhurongwa uhwu vaudza Studio7 kuti vaona zvisina kukodzera kuti ivo vaende kuhurongwa uhwu, asi vakuru vemhuri vasina kuziviswa nezvazvo.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai harina kupindawo muchiitiko ichi richiti kana rakakokwa harina kuona tsamba yacho.

Mwedzi wapera pakambove nemutauro mushure mekunge MDC T, ichishanda pamwe nemunin’ina wemushakabvu, VaJoshua Tongogara, vanowe sachigaro webato iri mudunhu reShurugwi, vaedza kurangarira gamba rechimurenga iri paGamwa Primary School kushurugwi.

Asi zvinonzi mudzimai waVaTongogara akaramba kuti izvi zviitwe, izvo zvakazomanikidza MDC T kusendeka hurongwa hwayo uhwu.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano mubato iri, VaNelson Chamisa, vanoti vanotambira nemufaro zvaitwa izvi, kunyange hazvo bato ravo rakatanga nepfungwa iyi.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe, vanonzi vati zvirongwa zvekupa ivhu nehupfumi kuvatema zviri kuzadzisa zvakafirwa nevakawanda vanosanganisira VaTongogara.

Izvi zvabuda mumashoko avo averengwa pakuparurwa kwechirongwa cheJosiah Magama Tongogara Legacy Foundation, izvo zvanangana nemakore makumi matatu nemaviri gamba renyika rashaya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG