Accessibility links

Breaking News

Masangano eVashandi veHurumende Osangana neChipiri


Masangano anomirira vashandi vehurumende ari nhengo dzesangano reApex Council, anonzi ari kutarisirwa kusangana muHarare neChipiri kuti azeye matambudziko akatarisana nesangano reApex Council pari zvino, izvo zvinonzi nevamwe ndizvo zvopa kuti nhaurirano dzemihoro dzitadze kusimuka.

Sachigaro weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti masangano ose ari nhengo ari manomwe avazivisa kuti achange ari pamusangano weChipiri uyu.

VaDzatsunga vanoti chikuru chichakurukurrwa pamusangano uyu imhinduro yakabva kuhurumende patsamba yakanyorwa nemutungamiri weZimta, uye vakambowe sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, yekuti vapiwe mvumo yekusimudza nhaurirano vakamirira vashandi.

Hurumende inonzi yakatenda kuti yakatambira tsamba yaAmai Chikowore iyi asi yakati inoda nguva yekuti magweta ayo aongorore nezvechikumbiro ichi.

Asi nyaya iyi inonzi yatsemura Apex Council nepakati sezvo mamwe masangano akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, ari kuramba danho rekuti Amai Chikowore vatungamire nhauriraro sezvo temu yavo yekutungamira yakapera.

Danho raAmai Chikowore iri rakauya zvichitevera kufa kwenhaurirano dzemihoro pakati pevashandi nehurumende, iyo yakati inozotaura chete nevashandi kana vachinge vatanga vagadzirisa matambudziko ehutungamiri ari musangano ravo.

VaDzatsunga vanoti imwe nyaya ichataurwa pamusangano uyu ndeyekukundikana kwehurumende kuwedzera vashandi mihoro mwedzi uno sezvakanga zvavimbiswa negurukota rezvemari, VaTendai Biti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG