Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voronga Kubuda neGwara Panovhurwa Zvikoro


Rimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nhengo dzaro dzichaenda kubasa musi uchavhurwa zvikoro musi weChipiri svondo rinouya paine tarisiro yekuti paitwe chisungo nemasangano anomirira vashandi vehurumende pagwara rekutora.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti havana chokwadi chekuti nhengo dzavo dzichange dzichishanda here panguva iyi, sezvo paine kugunun’una kukuru nenyaya yekuti hurumende yakatadza kuvawedzera mari dzemihoro uye haisi kuratidza hany’a yekuti ine chido here chekuita hurukuro navo.

Sangano iri rakambenge razivisa kuti pachavhurwa zvikoro nhengo dzaro dzichange dzichiramwa basa, asi danho iri rinonzi rashandurwa.

VaZhou vanoti varairidzi vachamirirawo kuona kana hurumende ichavawedzera here mwedzi uno mari dzinofambirana nekukwira kwemitengo yezvinhu, sekuvimbisa kwayakaita gore rapera.

Izvi zvakataurwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti. Asi VaZhou vanoti vachatora matanho kana hurumende isina kuzadzisa zvayakavimbisa gore rapera.

Asi rimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers’ Association, Zimta, rinoti harisati rabuda nechisungo panyaya yekuramwa mabasa, sezvo riri kutarisira kusangana nenhengo dzaro svondo rino pamusangano waro wepagore.

Munyori mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vanoti sangano ravo harioni richiramwa mabasa sezvo pachine mukana wekutaurirana nehurumende, uye kugadzirisa zvimwe zvinoda kugadziriswa pakati pemasangano evashandi vehurumende.

Hatina kukwanisa kubata hutungamiri hweTeachers’ Union of Zimbabwe, kanawo hurumende kuti tinzwewo pavamire panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG