WASHINGTON —
Mutungamiri werimwe remasangano evatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, Dumisani Sibanda, anonzi ambokumbira kuti amire kuita basa rekutungamira ZUJ zvichitevera nyaya yaari kupomerwa.
Sibanda, uyo anoshanda saBureau Chief weNewsDay kuBulawayo, ari kupomerwa mhosva yekubata zvisiri pamwero mumwe mudzimai anoshanda semutori wenhau.
Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi, vati vatambira tsambamhozha yabva kuna Sibanda achikumbira kumbomira kutungamira sangano iri apo nyaya yake inenge ichizeiwa zviri pamutemo.
VaDongozi vati sesangano varwadzikana zvikuru nedanho iri asi havana zvavangaita sezvo nyaya iyi ichinangana neupenyu hwaSibanda pachake.
Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika muZUJ vanoti dzimwe nhengo dzesangano iri ndidzo dzamanikidza Sibanda kumbosiya basa kudzamara achenurwa. Zvinonzi kwesvondo rose hutungamiri hweZUJ hwanga huchida kuti Sibanda ambomira basa sezvo zita remusangano raizosvibiswa kana akaramba ari panhongonya uku nyaya yake ichipinzwa mumatare edzimhosva.
Zvinonziwo dzimwe nhengo dzeZUJ dzanga dzichiti Sibanda arambe ari pabasa kudzamara awanikwa nemhosva kunyange hazvo nhengo dzanga dzichitsigira izvi dzange dziri shoma.
Sibanda akasarudzwa muna 2010 kuva mutungamiri weZUJ, achitora basa ranga richiitwa naVaMathew Takaona, avo vave nhengo yeZimbabwe Media Commission.