Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Nhengo dzeCounselling Services Unit Nhatu


Matikitivha anodarika gumi anga akapakata gwaro rekuvabvumidza kusecha anonzi apinda masikati mumahofisi esangano rinobatsira vakashungurudzwa, reCounselling Services Unit muHarare.

Mapurisa aya anonzi ati ari kutsvaga zvinhu zvaanoti zvakashandiswa mukupenda mudhuri wechimwe chivakwa chekuBulawayo chakapiwa kuguta iri nenhengo yeZanu PF, VaSikhanyiso Ndlovu.

Magweta ari kumirira sangano iri, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ati mapurisa aya, ayo anga achitungamirwa naDetective Assistant Inspector Henry Dowa, azotora midziyo yesangano iri inosanganisira makombiyuta nezvimwe.

Vashandi vesangano iri vashanu vanoti mukuru wesangano iri, VaFidelis Mudimu, VaZachariah Godi, VaTafadzwa Gesa, VaPenn Bruno pamwe naVaJames Zidzimu pamwe nemumwe mutori wenhau anoshandira bepanhau reDaily News, Watson Ofumeli, vambotorwawo nemapurisa aya.

Asi vatatu vanoti VaBruno, VaZidzimu pamwe naOfumeli vanonzi vazoregwa vasina mhosva yavapomerwa.

Rimwe remagweta ari kumirira vashandi ava, VaKennedy Masiye, vaudza Studio 7 kuti mapurisa ati vachamirira kunzwa kubva kuBulawayo kwakaparirwa mhosva iyi vasati vatorera matanho vamwe vatatu vasara vari mumaoko emapurisa. Vatatu ava vari pakamba yemapurisa yeHarare Central Police Station uko vacharara.

Muna Nyamavhuvhu mapurisa akapakata zvombo akapindawo nechisimba kaviri pamahofisi esangano rinorwira kodzero dzengochani reGays and Lesbians of Zimbabwe vachiti sangano iri rine magwaro anokurudzira kupararira kwehungochani.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti iyi inzira yekutyisidzira nayo masangano akazvimirira pamberi pesarudzo dzingangoitwa gore rinouya munaKurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG