Accessibility links

Breaking News

VeBook Fair Vochema neMitero yeZIMRA


ZIMRA
ZIMRA

Vari kuratidza mabhuku avo vachibva kune dzimwe nyika vari kuchema nerokuti mabhuku avo arikurambidzwa kupinda munyika neveZimbabwe Revenue Authority kana kuti (ZIMRA) vachiti ngavatange vabhadhara mari yemutero kupinda munyika.

Vachitaura pamusika wemabhuku weZimbabwe International Book Fair vanodhinda nekuburitsa mabhuku kuGermany, VaNaren Bisseru veVUGA vanoti mitemo yemunyika yekupinza mabhuku yakaoma zvikuru izvo zvaita kuti vatorerwe mabhuku avaida kuratidza pamusika wemabhuku.

VaBisseru havana kuruma vachifuridzira apo vakaudza gurukota rezvedzidzo vaive munyarikani pakuvhurwa kwegungano iri VaLazarus Dokora vachiti hurumende inofanira kuvandudza mitemo yayo.

VaBisseru vanoti mabhuku akawanda avainge vauya nawo akatorwa nebazi reZIMRA panhandare yendege yemuHarare.

VaDokora vakaudza vaBisseru kuti gore rinouya bazi ravo richaona kuti vanoratidza nekudhinda mabhuku havabhadhare mari dzemitero. Asi mutauriri weZIBF VaBlazio Tafireyi vanoti bazi reZIMRA riri kutsvaga uta nemugate sezvo hurumende isina kana mari.

VaTafireyi vanoti kuita kweZIMRA kunopesana nemutemo wakabvumiranwa pasi rose weUnited Nations uyo unodzivisa nyika dzose kuti dzibhadharisane mari dzemitero dzemabhuku munyika. VaTafireyi vanoti izvi ndizvo zvavakaonawo kuZambia kwakaitwawo gungano rakadai.

VaTafireyi vanoti Zimra yakaramba kushanda nawo pakuti zviite nyore kuti vanhu vavainge vakoka vapinde munyika nemabhuku avo.

Zvichakadaro muzvare Jestina Mukoko vari kuratidzirawo bhuku ravo rinotaura nezvekupambwa kwavo muna 2008 pamusika wemabhuku.

Muzvare Mukoko vanoti vanhu vakawanda varikusvika pamusika wavo vari kukwezvwa nekuona zita ravo vozobatanidza nekuona munhu wacho.

Musika wemabhuku uyo wakatanga neMuvhuro uchipera neMugovera uri kuitwa pasi pedingindira rinoti:”Igniting Interest in Reading for Sustainable Development.”

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG