Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yobvongonyodza Kunyorwa kweBumbiro Idzva?


Nyaya yebumbiro remitemo idzva inenge icharamba ichinetsa zvichitevera danho idzva rave kutorwa nebato reZanu PF rekuti zvinetswa zvichiri kuda kugadziriswa zvinosvika makumi matatu, izvo Zanu PF inoti inoda kuti zvitange zvawiriranwa pasati pataurwa nezvegwaro rebumbiro.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, vachimirira Zanu PF, VaPaul Mangwana, vanoti kunyange hazvo bato ravo rine chido chekuti munyika muve nebumbiro idzva, harisi kuzotambira bumbiro risingaremekedzi zvakarwirwa nevanhu kuti nyika isununguke, zvakaita sekuendeswa kwemasimba kumatunhu nezvimwe.

Mashoko aimbobuda airatidza kuti misaridzirwa yaive mitanhatu chete, kwete makumi matatu ave kutaurwa neZanu PF aya.

VaMangwana vanoti vari kutarisira kusangana neMuvhuro kuitira kuti vagadzirise nyaya idzi, asi vazivisa kuti kana zvisina kuwiriranwa hapana bumbiro richabuda, zvichireva kuti sarudzo dzinenge dzoitwa nebumbiro riripo.

Muna Chikunguru, VaMangwana vakambobuda vachizvirova dundundu vachizivisa vana veZimbabwe kuti vakanga vapedza basa rebumbiro idzva uye vaigutsikana nezvavakanga vaita.

Asi gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti havazivi kuti zvinetswa makumi matatu zvave kunzi neZanu PF zviripo izvi zvakabva kupi, asi vatenda kuti pachine zviri kutadza kuwiriranwa, kunyange hazvo vasina kubuda pachena kuti zvingani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG