Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoda Kuti Nhepfenyuro Dziri Kunze Dzivharwe


Nyaya yekuti nhepfenyuro dzekunze dzirambidzwe kutepfenyura munyika kuburikidza nekujemwa, iyo yakasimudzwa kumusangano weZanu PF wepagore wakaitwa kuGweru, yasimudza hurukuro pakati pemapoka akasiyanasiyana evanhu.

Vamwe vari kuti iyi inzira yeZanu PF yekuda kunyima vana veZimbabwe mukana wekunzwa chokwadi, ukuwo vamwe vachiti izvi zvinomanikidza nhepfenyuro idzi kuti dzidzoke kumusha.

Sechimwe chezvisungo zvayo zvayakaita, Zanu PF yakati nhepfenyuro dzakaita seStudio7, Radio VOP neSW Radio Africa, dzinofanirwa kusanzwikwa munyika sezvo dzakanzi nechibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa cheGPA, dzitepfenyure dziri munyika.

Nhepfenyuro idzi dzakaita izvi nekuda kwemitemo yemunyika inodzvinyirira mazwi anopikisana nehurumende yaVaMugabe.

Boka reBroadcasting Authority of Zimbabwe, iro risiri kuwiriranwa nemaumbirwo aro pakati peMDC neZanu PF muhurumende, rakapa makambani maviri Zi-FM neZimpapers iyo ine Star FM, marezenisi ekutepfenyura, asi rikanyima Radio Vop rezinesi.

Mibvunzo yavepo ndeyekuti kukokwa kwenhepfenyuro dziri kunze muGPA kwaive kwekubata vanhu kumeso here kana kuti kwechokwadi, kana Radio Vop yakanyimwa rezinesi.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko uye vari nhengo yeMDC T inomirira Kwekwe Central muparamende, VaSettlement Chikwinya, vaudza Studio 7 kuti kana mitemo yemunyika ichi mbunyikidza vanhu vayo, vaotsvaga dzimwe nzira dzekutaura nadzo, sezvaiitwa nairo bato reZanu PF munguva yehondo.

Zanu PF yaitepfenyura iri kuMaputo, kuMozambique sezvo hurumende yaVaIan Smith yairambidza kuti izvi zviitike munyika.

Asi imwe nhengo yekomiti iyi vachimirira Uzumba, VaSimbaneuta Mudarikwa veZanu PF, vatiwo vanhu vasarambe vachidzokera kumashure, asi kuti vatarise mberi nhepfenyuro dziri kunze idzi dzidzoke kumusha dzipiwe marezinesi dzishande dziri kumusha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG