Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voshora Mashoko aVaMugabe


MDC supporters
MDC supporters

Vagari vemuHarare vakaita saVaWarship Dumba vanoti hapana chavanzwa chine musoro chataurwa nemutungamiri wenyika muparamende

Vagari vemuHarare pamwe nenhengo dzemapato anopikisa dzashora mashoko aturwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, muparamende pasi pechirongwa che State of Nation Address.

Vagari vemuHarare vakaita saVaWarship Dumba vanoti hapana chavanzwa chine musoro chataurwa nemutungamiri wenyika muparamende.

Mashoko aVaDumba atsinhirwa nenhengo yeparamende inomirira Norton, VaThemba Mliswa, avo vati vanga vakatarisira kuti mutungamiri wenyika achabatabata nyaya yehuori uhwo hwavanoti hwakatekeshera munyika zvikurusei muhurumende.

Nhengo yeMDC-T inomirira Mbavuku muparamende, VaJames Maridadi, vanoti VaMugabe, avo vataura kwemaminitsi anokwana makumi matatu nematanhatu, havasisina mhinduro pane zviri kunetsa munyika, nokudaro vanofanira kusiya basa.

Zvichakdai, vaimbova gurukota rinomirira nyaya dzevashandi, Amai Paurina Gwanyanya Mpariwa, vanoti vafara kuti mutungamiri wenyika atsinhira nyaya yekutaurirana kwevashandi, vashandirwi pamwe nehurumende pasi peTripartite Negoating Forum.

Asi gurukota rinowona nezvematunhu uye vari murongi wemisangano muZanu PF, VaSaviour Kauskuwere, vanoti vafara zvikuru kuti mutungamiri wenyika asimbaradza nyaya yekuwaniswa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba kana kuti masitendi kune vechidiki pamwe nemadzimai.

Asi Amai Mpariwa vati VaMugabe vanga vachifanira kutaura nezvenyaya dzekushaikwa kwemari kumabhanga pamwe nekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika.

VaMugabe vaifanira kunge vakatura mashoko avo muparamende svondo rapera asi vakatadza kutura mashoko avazotura nhasi mushure mekunge vaenda kurufu rwevaimbova mutungamiri weCuba, VaFidel Castro.

XS
SM
MD
LG