Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeOlympics Yakawanda Inotanga kuBrazil


Michael Phelps
Michael Phelps

Muzuva retatu makwikwi emaOlympics atanga zviri pamuitemo. Vanhu vaona makwikwi akaita sekutihwina, rugby, judo nezvimwe.

Mutambi Ibtihaj Muhammad ari kutarisirwa kuva mutambi wekutanga munhoroondo yeamerica kukwikwidza akapfeka dhuku richitendero chake chechimuslim rinonzi hajib.

Mudzimai uyu ane makore makumi maviri nemasere uye ndewemutambo wefencing. Mutambo werugby yemadzimai uri kutambwa kekutanga kumakwikwi aya.

Munhau dzekutihwina, Katie Ledecky wekuAmerica akakwanisa kutihwina kudararika maminitsi ange aripo kana kuti World Record mumakwikwi e 400 meter free style.

Ledecky
Ledecky

Chikwata chemuAmerica chekutihwina chakahwina goridhe mumakwikwi e4x100 relay. Michael Phelps akabva akwanisa kusvika menduru dzegoridhe gumi nepfumbamwe zvichireva kuti ndiye mutambi munhoroondo yemaOlympics kuwana menunduru dzakawanda mumakwikwi aakwikwidza kusvika parizvino.

NeSvondo chikwata chebasketball chemuamerica chakakunda China 119-62 uye chichatamba neVenezuela nemusi weMuvhuro.

Adam Peaty weBritain akakunda mumakwikwi ekutuhwina e100 meter breast stroke akawanda menhuru yegoridhe. Kumadzimai Sara Sjostrom wekuSweden ndiye akakunda

Mumitambo wetennis wemadoubles, Serena Williams neVenus Williams vakakundwa muchikamu chekutanga nalucie safarova na barbora strycova wekuczech republic.

Rio Olympics Tennis
Rio Olympics Tennis

Asi Serena akahwina mumitambo yemasingles apo akakunda daria gavrilova wekuaustralia. Novak Djokovic wekuSerbia, ari kutungamira varume vose kutennis pasi rose akakundwa naJuan Martin del Potro wekuArgentina.

Mimwe mitambo yakambokanganiswawo nemhepo inotyisa yaivhuvhuta. Asi vanhu vakaratidza kushora kwakanyanya mutihwini wekuRussia Yulia Efimova uyo akambomiswa kukwikwidza nenyaya yekushandisa mishonga isingatenderwi.

Vatambi vakawanda vekuRussia vakambomiswa kukwikwidza ne World Anti-Doping Agency inoona nezvevatambi vanenge vachida kubirira vachishandisa zvisingatenderwi.

Mumitambo yegymnastics vakawanda vari kutarisira kuti Simone Biles ndiye achatora goridhe. Mumutambo webasketball yemadzimai, neSvondo, America yakakunda Senegal 121-56.

Mumutambo wejudo, maJlinda Kelmendi wekuKosovo akahwina menduru yegoridhe yemadzimai achibva apa nyika iyi menduru yayo yekutanga.

XS
SM
MD
LG