Accessibility links

Breaking News

VaObama Vanowedzera neGore Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe neVamwe Vavo muZanu PF


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo vari muZanu PF nemuhurumende.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo vari muZanu PF nemuhurumende.

VaObama vazivisawo dare reAmerica reCongress nezvekuwedzera kwavaita negore zvirango zvakatemerwa hurumende yaVaMugabe.

Zvirango izvi zvakatanga kutemerwa VaMugabe nevamwe vavo mugore ra 2003 naVaGeorge Bush, avo vaimbova mutungamiri weAmerica panguva iyi.

Gwaro raburitswa naVaObama, Executive Order 13288, rinoti maitiro evanhu vawedzerwa negore zvirango izvi anovhiringa gwara reAmerica pazvinhu zvinoitika kunze kwayo.

Hurumende yeAmerica inoti haisi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe pamwe nehudzvanyiriri huri kuitika pasi pehurumende yaVaMugabe.

VaObama vati zvirango izvi zvicharamba zviripo kudzamara pava neshanduko mumaitiro evanhu vakatemerwa zvirango izvi.

XS
SM
MD
LG