Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Hurumende Iri Kushanda Zvakasimba Ichigadzirisa Zviri Kunetsa


President Robert Mugabe & Generals
President Robert Mugabe & Generals

Asi munyori anoona nezvehupfumi muMDC zvakare vachimirira Hatfield mudare reNational Assembly, VaTapiwa Mashakada, vati veruzhinji vatambura nenhamo uye VaMugabe havana kutaura kuti hurumende yavo ichapedza matambudziko aya sei.

Mutangamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti hurumende yavo iri kutora matanho ekusimudzira mabasa ehupfumi nechinangwa chekuti nyika ikwanise kugadzira zvinhu zvakawanda zvekutengesa kunze pamwe nekuvandudza mabasa ekurima nezvicherwa.

Vachitaura muparamende pasi pechirongwa cheState of the Nation Address, VaMugabe vati mitemo yakaita seStatutory Instrument 64 iyo inorambidza makambani nevanhu vemuno kutenga kunze zvinhu zvinowanikwa muno yasimudzira maindasitiri emuno sezvo yave kuita kuti makambani nevanhu vashandise mari yekunze zvine mwero.

Vatiwo hurumende yavo iri kurerutsa mitemo yekuita mabhizimisi munyika nechinangwa chekukwezva vemabhizimisi vekunze uye vatiwo pachatangwa bhanga rekusimudzira mabhizimisi madiki pamwe nerimwe rinotsigira madzimai.

VaMugabe vazivisawo kuti maindasitiri ezvicherwa pamwe neekushaniyrwa akaita zvakanaka chose gore rino izvo zviri kupinza mari yekunze munyika.

Vatiwo hurumende yavo ichibatsirwa nemakambani akazvimirira nedzimwe nyika, iri kutenga chibage kunze kuti nyika ive nechikafu chakakwana.

Vatiwo hurumende iri kutsigira mabasa ekurima pasi pezvirongwa zveCommand Agriculture nePresidential Input Support Scheme.

Asi munyori anoona nezvehupfumi muMDC zvakare vachimirira Hatfield mudare reNational Assembly, VaTapiwa Mashakada, vati veruzhinji vatambura nenhamo uye VaMugabe havana kutaura kuti hurumende yavo ichapedza matambudziko aya sei.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T zvakare vachimirira Kuwadzana East mudare reNational Assembly, VaNleson Chamisa, vanotiwo pane mibvunzo yakawanda isina kupindurwa nemashoko aVaMugabe muparamende nhasi.

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika zvakare vachimirira Masvingo South muparamende, VaWalter Muzembi, vati mabasa ekushanya munyika ari kubudurira zvikuru nekuti vanoita basa nemazvo uye vanofara kuti vatungamiriri vari kuzviona.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu zvakare vachimirira Mberengwa West, VaJorum Gumbo, vatiwo mashoko aVaMugabe abata zvese zvakakosha kunyika zvakaita senyaya yekurima.

Zimbabwe yakatarisana nematambudziko akawanda munyaya dzehupfumi uye maindaisitiri haasi kushanda nekuda kwemutemo inoaomesera.

Pari zvino nyika yakatarisanawo nedambudiko rekushaikwa kwemari pamwe nenzara.

Nhengo dzebato rinopikisa dzinoti dzange dzichitarisira kuti VaMugabe vataure kuti vachagadzirisa matambudziko aya sei.

XS
SM
MD
LG