Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanovhura Paramende Vachikurudzira Runyararo Munyika


Cầu thủ đội khúc côn cầu Nga Alexander Syomin (phải) tranh giành quyết liệt với cầu thủ đội Phần Lan trong trận tứ kết ở Sochi, ngày 19/2/2014.
Cầu thủ đội khúc côn cầu Nga Alexander Syomin (phải) tranh giành quyết liệt với cầu thủ đội Phần Lan trong trận tứ kết ở Sochi, ngày 19/2/2014.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, varamba vakaomesa musoro wavo panyaya yesarudzo vachiti sarudzo dzichaitwa muna kurume gore rinouya pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vachitaura apo vange vari kuvhura chikamu chekupedzesera cheparamende yechinomwe, VaMugabe vati chinangwa chikuru chehurumende pari zvino ndechekuona kuti sarudzo dzaitwa. VaMugabe vati sarudzo idzi dzichaitwa muna Kurume gore rinouya.

Vatiwo vemapato ematongerwe enyika pamwe nevatori venhau vanofanirwa kuita zvose zvavanokwanisa kuitira kuti sarudzo dziitwe murunyararo gore rinouya.

Asi mashoko aVa Mugabe anopikisana neemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vakazivisa neMuvhuro kuti ivo naVaMugabe havasati vawirirana pamazuva esarudzo.

VaMugabe vakurudzirawo komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, kuti inyore gwaro rayo rezvakabuda mumusangano weSecond All Stakeholders Conference kuitira kuti ivo sevatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa, vaone zvavangaite nebumbiro iri.

Gwaro rebumbiro idzva richazeiwa neparamende pasati paitwa referendamu. VaMugabe vati mamwe mabhiri achazeiwa neparamende anosanganisira bhiri rekuvandudza mashandiro ehofisi yemuchuchisi mukuru wenyika, Attorney Generals Ammendment Bill, pamwe nerehomwe yekubatsira matunhu, Constituency Development Fund.

VaMugabe vatiwo zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe zvinofanirwa kubviswa sezvo zviri kuvhiringa hupfumi hwenyika.

Zvichakadai, dare reparamende richatanga kugara zvakare musi wa15 Mbudzi, apo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachatura bhajeti regore rinouya musi uyu.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG